Surah 114 · 6 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah An-Nas in Shona

In English with tafsir

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

114:1

قُلۡ أَعُوذُ بِرَبِّ ٱلنَّاسِ

Iti: “Ndinotsvaga kuchengetedzwa na(Allah), Tenzi wevanhu

114:2

مَلِكِ ٱلنَّاسِ

Mambo wevanhu

114:3

إِلَٰهِ ٱلنَّاسِ

Mwari wevanhu

114:4

مِن شَرِّ ٱلۡوَسۡوَاسِ ٱلۡخَنَّاسِ

Kubva kuhuipi hwemuzevezeri (Satani anozevezera mumoyo yevanhu), uye obva (kubva mukuzevezera kwake mumoyo wemunhu mushure mokunge afunga Allah)

114:5

ٱلَّذِي يُوَسۡوِسُ فِي صُدُورِ ٱلنَّاسِ

Uyo anozevezera muzvipfuva zvevanhu

114:6

مِنَ ٱلۡجِنَّةِ وَٱلنَّاسِ

Kubva kumaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto) nevanhu.”

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.