Surah 79 · 46 verses · Abdullah J. M. Adini And Students
Surah An-Nazi'at in Shona
بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
وَٱلنَّٰزِعَٰتِ غَرۡقًا
Ndinopika neidzo (ngirozi) dzinotora (upenyu hweuyo asingatendi) nechisimba
فَٱلسَّٰبِقَٰتِ سَبۡقًا
Uye neidzo dzinoenderera mberi nekumhanyidzana (ngirozi kana nyenyedzi kana mabhiza)
فَٱلۡمُدَبِّرَٰتِ أَمۡرًا
Uye idzo (ngirozi) dzinoronga kutevedzera mirairo yaTenzi vadzo, (saka zvirokwazvo imi vasingatendi muchabvunzwa)
يَوۡمَ تَرۡجُفُ ٱلرَّاجِفَةُ
Pazuva iro pasi rino nemakomo paachandengendeka zvakanyanya (uye wese achafa, hwamanda yekutanga yaridzwa)
يَقُولُونَ أَءِنَّا لَمَرۡدُودُونَ فِي ٱلۡحَافِرَةِ
Vanoti: “Tichadzoserwa zvirokwazvo here pahupenyu hwedu hwekare?”
فَإِنَّمَا هِيَ زَجۡرَةٌ وَٰحِدَةٌ
Asi zvirokwazvo icharidzwa (hwamanda) kamwechete (kuridzwa kechipiri, Surah)
إِذۡ نَادَىٰهُ رَبُّهُۥ بِٱلۡوَادِ ٱلۡمُقَدَّسِ طُوًى
Apo Tenzi vake vakamushevedza munzvimbo inoera yeTuwaa
ٱذۡهَبۡ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ إِنَّهُۥ طَغَىٰ
(Vakati kwaari): “Enda kuna Farawo, zvirokwazvo arikufurikidza mwero (nekusatenda nekuita zvakaipa).”
فَقُلۡ هَل لَّكَ إِلَىٰٓ أَن تَزَكَّىٰ
Omutaurira kuti: “Ungazvichenure here (kubva mukusatenda)?”
وَأَهۡدِيَكَ إِلَىٰ رَبِّكَ فَتَخۡشَىٰ
“Uye kuti ndive ndinokutungamira kuna Tenzi vako, kuti uve unovatya?”
فَأَخَذَهُ ٱللَّهُ نَكَالَ ٱلۡأٓخِرَةِ وَٱلۡأُولَىٰٓ
Saka Allah vakamukweva nemutongo wekubva kwekutanga nekupedzisira kwekuraudzira kwake
إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَعِبۡرَةً لِّمَن يَخۡشَىٰٓ
Zvirokwazvo, mune izvi mune chidzidzo kune uyo anotya Allah
ءَأَنتُمۡ أَشَدُّ خَلۡقًا أَمِ ٱلسَّمَآءُۚ بَنَىٰهَا
Munonetsa kusika here kana kuti denga ravakagadzira
وَأَغۡطَشَ لَيۡلَهَا وَأَخۡرَجَ ضُحَىٰهَا
Husiku hwaro vakaufukidza nerima uye vakaburitsamo chiedza
وَأَمَّا مَنۡ خَافَ مَقَامَ رَبِّهِۦ وَنَهَى ٱلنَّفۡسَ عَنِ ٱلۡهَوَىٰ
Asi uyo aitya kumira pamberi paTenzi vake, uye akazvidzora kubva kuhuipi hwakasviba uye nemakaro
يَسۡـَٔلُونَكَ عَنِ ٱلسَّاعَةِ أَيَّانَ مُرۡسَىٰهَا
Vanokubvunza (Muhammad (SAW)) pamusoro penguva yekutongwa, kuti zuva racho ndirinhi
إِنَّمَآ أَنتَ مُنذِرُ مَن يَخۡشَىٰهَا
Zvirokwazvo iwe (Muhammad (SAW)) uri muyambiri kune avo vanoritya
كَأَنَّهُمۡ يَوۡمَ يَرَوۡنَهَا لَمۡ يَلۡبَثُوٓاْ إِلَّا عَشِيَّةً أَوۡ ضُحَىٰهَا
Zuva ravachaiona kuchava sekunge havana kugara (pano panyika) kusiya kwemasikati kana mangwanani
Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.